Thursday, December 1, 2011

Kana Wamutanga Musikana

KANA WAMUTANGA MUSIKANA
BY MORDECAI A. HAMUTYINEI

Ichokwadi kuti inenge nhamo zvayo
Iyo ine hama dzedu vanasikana.
Nyangwe rudo rwukamubaya mwoyo somunzwa
Haakwanisi kutanga iye kurupa kumukomana.
Anoita zvose zvishereketo zvokukwezva
Asi kuti agotanga iye zvinogozha.
Zviri mumwoyo make zviri muninga, angatozviburitsa chete
Kana wamutanga musikana.

Uchitanga kumuona chete hana yako inorova.
Unobvuma kuti itsvarakadenga yado mwoyo.
Kunonoka usati wasvika, chingoti, ‘Ndinokuda’,
Unoona mwana ovhunduka, vhudzi rake kuti nyanyanya!
Kwauri ruziso kape, ndiye ramutuku sehandira;
Shoko rake ndiro rimwe, ‘Handikudi’.
Chirega uchiona mazauone, matindingoma,
Kana wamutanga musikana.

Hoyo zvino mwanasikana washaya shoko.
Otarisa pasi, otarise divi, otarisa mudenga.
Chimuti chotorwa chombotsengwa-tsengwa.
Otora rushamhu opura mashizha zvenhando.
Ongovhuna gumbo mwene sokuzvida.
Kana zvadai chifarira, ndoozvaanoita
Kana wamutanga musikana.

Kungoti bhi nehope rwauya rugwaro,
Mashoko akanyorwamo gumi nefararira.
Rako riya rinongotenderedzwa nebwoni.
Kuti aritaure zvakone n’anga.
Pamwe pakanzi, ‘Mudiw…’, ndokudzimwa.
Pamwe pakanzi, ‘Ndinokud…’, ndokudzimwazve.
Ichokwadi anoshaya nezano rose
Kana wamutanga musikana.

Pamwe ramangwani chienda kwaari uone,
Uchinatsa kumubvunza kana auya kutsime.
“Ko, washinga kuramba uhosi hwandanga ndakupa here?”
Hapoka, chauya chazuro, chiona zvoitwa.
Anomboti pamupfuti, pamutondo, dzamara zvagombera,
Wozonzwa, “Bva, ah, ndada hangu!”
Kazhinji ndozvaanoita
Kana wamutanga musikana.

Zvino chirega uchiona chava chipatapata
Wabata chakati tende, mazangandari.
Woira woriswa semhou ine nhinjana.
Kungoti tsvenzu wotobvunzwa kwawaswera.
Rwava rudo zvino, hapachina kupokana.
Iwe maheu wonwa naanoera.
Vehama, ndozvazvinoita parudzi rwedu
Kana wamutanga musikana.

© M. A. Hamutyinei, pp 17-18, Mabvumira Enhetembo, Mambo Press.

11 comments:

Unknown said...

is this the same mordekai hamutyinei who wrote kusasana kunoparira? how can i get the contacts! need them ASAP!

Unknown said...

this is the same guy,bt i thnk he z nomor

Gandanga said...

ichokwadi ndozvazvinoita.

TAPFUMANEYI MURAYIRWA said...

Thanks very much for this post. I wanted the first stanza for something I am doing, then I just had to google search. Those were some of the great minds from our own people. I used to recite the poem by head in primary school.

Unknown said...

i like i like i like it..i i like the creativity of the poet. May his dry bones live.

Unknown said...

Legend
Takadzva apa. By no chance are we going to have vapfana vano matcher these standards

Unknown said...

Legend
Takadzva apa. By no chance are we going to have vapfana vano matcher these standards

BarEvans said...

woow this still sounds as good as old day

Adonis Godfrey Hlabiso said...

M.A Hamutyinei will always be a legend, considering his poetry & novels. indeed he left legendary paws behind.. I like this

skaten said...

no one will replace this legend..poems novels all gud...maidei, kusasana kunoparira,china manenji...too gud

Jefta Muzenda said...

Legendary forever. Hapana zvaungamuita